15 Muchasiyira zita renyu kuvasanangurwa vangu sechituko; Ishe Jehovha achakuurayai, asi achapa varanda vake rimwe zita.
16 Ani naani achati nyika iropafadzwe achazviita naMwari wechokwadi; ani naani achaita mhiko munyika achapika naMwari wechokwadi. Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa, uye achavanzirwa meso angu.
17 “Tarirai, ndichasika matenga matsva nenyika itsva. Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi, kana kuuya mundangariro.
18 Asi farai mupembere nokusingaperi mune zvandichasika, nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze uye kuti vanhu varo vave mufaro.
19 Ndichapembera pamusoro peJerusarema, uye ndichafarira vanhu vangu; maungira okuchema kana kurira haachazonzwikizve imomo.
20 “Mariri hamungazovizve nomucheche achararama mazuva mashoma shoma, kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama; uyo anofa ane zana ramakore achangotorwa somujaya; uyo anotadza kusvika pazana ramakore achatorwa sowakatukwa.
21 Vachavaka dzimba vagogara madziri; vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo.