17 Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.”
18 Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria.
19 Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose.
20 Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti avevure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu.
21 Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri.
22 Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi.
23 Pazuva iro munzvimbo imwe neimwe maimbova nemizambiringa inokwana chiuru yaitengwa namashekeri anokwana chiurua esirivha, pachazova norukato neminzwa chete.