13 Imi zivai mhosva yenyu chete, kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu, mukafadza vamwari vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira, uye hamuna kunditeerera,’ ”ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni.
15 Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa.
16 Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.
17 Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa.
18 Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.
19 “Ini pachangu ndakati,“ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu uye ndichikupai nyika inoyevedza, iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’ Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’ mukasazotsauka pakunditevera.