19 “Ini pachangu ndakati,“ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu uye ndichikupai nyika inoyevedza, iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’ Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’ mukasazotsauka pakunditevera.
20 Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake, saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti, iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri, nokuti vakaminamisa nzira dzavo uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
22 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.”“Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
23 Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.
24 Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya zvibereko zvamabasa amadzibaba edu, makwai avo, nemombe dzavo, vanakomana navanasikana vavo.
25 Ngativatei pasi munyadzi dzedu, uye kunyara kwedu ngakutifukidze. Takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu tose namadzibaba edu; kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”