9 “Zvanzi naJehovha: Musazvinyengera muchifunga kuti, ‘Zvirokwazvo vaBhabhironi vachabva kwatiri.’ Kwete, havangabvi!
10 Kunyange dai mungakunda hondo yose yavaBhabhironi iri kukurwisai uye kugosara vakakuvara bedzi mumatende, ivavo vachauya vakapisa guta rino.”
11 Shure kwokubva kwehondo yavaBhabhironi muJerusarema nokuda kwehondo yaFaro,
12 Jeremia akatanga kubuda muguta kuti aende kunyika yeBhenjamini kundotora mugove wake wenhaka pakati pavanhu ikoko.
13 Asi akati asvika paSuo raBhenjamini, mukuru wavarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremia, mwanakomana waHanania, akamusunga ndokuti, “Iwe wava kutiza uchienda kuvaBhabhironi!”
14 Jeremia akati, “Handizvo, kwete! Handizi kutiza ndichienda kuvaBhabhironi!” Asi Irija haana kuda kumunzwa; asi akasunga Jeremia ndokumuendesa kumachinda.
15 Ivo vakatsamwira Jeremia vakaita kuti arohwe uye kuti aiswe mutorongo mumba maJonatani munyori, yavakanga vaita torongo.