10 Asi zuva iro nderaShe, iye Jehovha Wamasimba Ose, iro zuva rokutsiva, rokutsiva vavengi vake. Munondo uchadya kusvikira waguta, kusvikira wapodza nyota yawo neropa. Nokuti Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, achabayira chibayiro kunyika yokumusoro paRwizi Yufuratesi.
11 “Kwira kuGireadhi undotora bharimu, iwe Mwanasikana weIjipiti. Asi unongowanza mishonga pasina; kuporeswa kwako hapana.
12 Ndudzi dzichanzwa nezvokunyadziswa kwako; kuchema kwako kuchazadza nyika. Mhare ichabondera pane imwe mhare; vachawira pasi pamwe chete.”
13 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kuna Jeremia muprofita, pamusoro pokuuya kwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kuzorwa neIjipiti achiti,
14 “Zivisai izvi muIjipiti, mugozviparidza paMigidhori; zviparidzeiwo paMemufisi neTapanesi muchiti, ‘Torai nzvimbo yenyu uye muzvigadzirire, nokuti munondo unodya vakakupoteredzai.’
15 Ko, mhare dzenyu dzingadzikisirwei? Havangagoni kumira, nokuti Jehovha achavadzikisa pasi.
16 Vacharamba vachingogumburwa; vachawirana pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei kuvanhu vokwedu nokunyika yedu, kure nomunondo womumanikidzi wedu.’