7 Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira.
8 Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi.
9 “Jehovha akadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaive nesimba, asi kana muri imi hakuna munhu akagona kumira pamberi penyu kusvikira nhasi.
10 Munhu mumwe chete kwamuri achadzinga vanhu vane chiuru, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai sezvaakavimbisa.
11 Saka chenjererai kuti mude Jehovha Mwari wenyu.
12 Asi kana mukangodzokera mukandobatana navakasara vendudzi idzi, dzigere pakati penyu uye kana mukawanana navo mukafambidzana navo,
13 ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.