4 Uye muchaziva kuti ndakakutumirai yambiro iyi kuitira kuti sungano yangu naRevhi irambe iripo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
5 “Ndakaita sungano yangu naye, sungano youpenyu norugare, uye ndakapa izvi kwaari; zvakandivigira kukudzwa uye akandikudza, akamira achitya zita rangu.
6 Kurayira kwechokwadi kwakanga kuri mumuromo wake, uye chisakarurama hachaiwanikwa pamiromo yake. Akafamba neni murugare nomukururama, uye akadzora vazhinji pazvivi.
7 “Nokuti muromo womuprista unofanira kuchengeta zivo, uye vanhu vanofanira kutsvaka dzidziso kubva pamuromo wake, nokuti ndiye nhume yaJehovha Wamasimba Ose.
8 Asi imi makatsauka panzira uye nedzidziso yenyu makagumbusa vazhinji; makaputsa sungano naRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
9 “Nokudaro ndakaita kuti muzvidzwe uye munyadziswe pamberi pavanhu vose, nokuti hamuna kuchengeta nzira dzangu asi makaita rusarura pakutonga kwenyu.”
10 Ko, isu tose hatina baba vamwe here? Haasi Mwari mumwe akatisika here? Sei tichisvibisa sungano yamadzibaba edu nokusatendeka kuno mumwe nomumwe?