14 Mapoka omusasa waJudha ndiwo akatanga kuenda, pasi pomureza wavo. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi akanga achivatungamirira.
15 Netaneri mwanakomana waZua akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni.
16 Uye Eriabhu mwanakomana waHeroni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni.
17 Ipapo tabhenakeri yakabviswa, uye vaGerishoni navaMerari, vakanga vachiitakura, vakafamba.
18 Mapoka omusasa waRubheni akatevera, vari pasi pomureza wavo. Erizuri mwanakomana waShedheuri ndiye akanga achivatungamirira.
19 Sherumieri mwanakomana waZurishadhai akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaSimeoni,
20 uye Eriasafi mwanakomana waDheueri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaGadhi.