43 Ipapo Mozisi naAroni vakaenda mberi kweTende Rokusangana,
44 uye Jehovha akati kuna Mozisi,
45 “Ibva paungano iyi kuti ndivaparadze iye zvino.” Ipapo vakawira pasi nezviso zvavo.
46 Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.”
47 Saka Aroni akaita sezvakarehwa naMozisi, akamhanyira pakati peungano. Denda rakanga ratotanga pakati pavanhu, asi Aroni akapisira zvinonhuwira akavayananisira.
48 Akamira pakati pavapenyu navakafa, denda rikamirawo.
49 Asi vanhu zviuru gumi nezvina namazana manomwe vakafa nedenda, vachiwedzera pane vaya vakanga vafa nokuda kwaKora.