18 Asi Edhomu akapindura akati,“Hamupfuuri napano; kana mukaedza, tichabuda tigokurwisai nomunondo.”
19 VaIsraeri vakapindura vakati,“Tichaenda nenzira huru, uye kana isu kana zvipfuwo zvedu zvikanwa mvura yenyu, ticharipa. Tinongoda kupfuura tichifamba netsoka, hapanazve chimwe.”
20 Vakapindurazve vachiti,“Hamungapfuuri.”Ipapo Edhomu akauya kuzovarwisa nehondo huru uye ine simba.
21 Sezvo Edhomu akaramba kuvabvumira kupfuura nomunyika yavo, vaIsraeri vakatsauka havo kubva kwavari.
22 Ungano yose yeIsraeri yakasimuka kubva kuKadheshi uye vakasvika paGomo reHori.
23 PaGomo reHori, pedyo nomuganhu weEdhomu, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
24 “Aroni achachengetwa kuvanhu vokwake. Haangapindi munyika yandakapa vaIsraeri, nokuti mose muri vaviri makamukira murayiro wangu pamvura yepaMeribha.