1 Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.
2 Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake
3 uye akataura chirevo chake achiti:“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,
4 chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.
5 “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri!
6 “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, semisidhari pedyo nemvura.