56 Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.”
57 Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.
58 Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi: mhuri yavaRibhini, mhuri yavaHebhuroni, mhuri yavaMari, mhuri yavaMushi, mhuri yavaKora. (Kohati akanga ari baba vaAmurami;
59 zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu.
60 Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari.
61 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.)
62 Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo.