3 “Baba vedu vakafira murenje. Vakanga vasiri pakati pavateveri vaKora, avo vakabatana pamwe chete kuti vamukire Jehovha, asi vakafira chivi chavowo vakasasiya vanakomana.
4 Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nemhaka yokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”
5 Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha
6 Uye Jehovha akati kwaari,
7 “Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari.
8 “Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.
9 Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanun'una vake.