9 Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanun'una vake.
10 Kana asina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuvanun'una kana madzikoma ababa vake.
11 Kana baba vake vasina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’ ”
12 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira pamusoro pegomo iri romuAbharimi ugoona nyika yandakapa vaIsraeri.
13 Mushure mokunge waona, newewo uchasanganiswa navanhu vokwako, sezvakaita Aroni mukoma wako,
14 nokuti ungano payakandimukira pamvura yomuRenje reZini, mose muri vaviri hamuna kuteerera murayiro wangu kuti mundiremekedze somutsvene pamberi pavo.” (Iyi ndiyo mvura yapaMeribha Kadheshi, muRenje reZini.)
15 Mozisi akati kuna Jehovha,