15 Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
16 “ ‘Pazuva regumi romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha.
17 Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.
18 Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose.
19 Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara.
20 Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;
21 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;