28 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka. hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;
29 uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
30 Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire.
31 Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.