1 “ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda.
2 Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuwira zvinofadza pamberi paJehovha.
3 Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefaa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondohwe, zvikamu zviviri mugumib;
4 pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumic.
5 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire.
6 Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuwira zvinofadza.