10 uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
11 Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
12 “ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe.
13 Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondohwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara.
14 Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondohwe maviri, zvikamu zviviri mugumi,
15 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi.
16 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.