22 “Verengawo vaGerishoni nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo.
23 Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana.
24 “Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni pavanoshanda vachitakura mitoro.
25 Vanofanira kutakura zvidzitiro zvetabhenakeri, Tende Rokusangana zvifukidzo zvaro uye zvifukidzo zvokunze zvamatehwe emhou dzegungwa, chidzitiro chapamukova wokupinda kuTende Rokusangana,
26 zvidzitiro zvaparuvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, chidzitiro chapamukova, tambo nemidziyo yose inoshandiswa pakushumira. VaGerishoni vanofanira kuita zvose zvinofanira kuitwa pakushandisa zvinhu izvi.
27 Mabasa avo ose kungava kutakura kana kuita rimwe basa, zvinofanira kuitwa nokurayira kwaAroni navanakomana vake. Muchavatuma sebasa ravo zvose zvavanofanira kutakura.
28 Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni paTende Rokusangana. Vanofanira kurayirwa pamabasa avo naItamari mwanakomana waAroni muprista.