6 “Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha munhu uyo ane mhosva,
7 uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera cheshanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira.
8 Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondohwe rokumuyananisira.
9 Zvinotsaurwa zvose zvinopiwa navaIsraeri kumuprista zvichava zvake.
10 Zvipo zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe ndezvake iye pachake, asi zvaanopa kumuprista zvichava zvomuprista.’ ”
11 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
12 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mukadzi womunhu akatsauka uye akasava akatendeka kwaari,