1 Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “Taura naAroni uti kwaari, ‘Kana uchimisa mwenje minonwe, inofanira kuvhenekera nzvimbo iri mberi kwechigadziko chomwenje.’ ”
3 Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje kuti atarisane nechigadziko chomwenje, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
4 Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha.
5 Jehovha akati kuna Mozisi:
6 “Bvisa vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri ugovanatsa.
7 Pakuvanatsa, unofanira kuita izvi: Sasa pamusoro pavo mvura yokuvachenesa; ipapo ugoita kuti vaveure miviri yavo yose vagosuka nguo dzavo, kuitira kuti vazvinatse.