2 Baba vomukadzi wake vakati, “Ndakanga ndine chokwadi chaizvo kuti unomuvenga kwazvo zvokuti ndakamupa kushamwari yako. Ko, munun'una wake haana kunaka kukunda iye here? Chimutora iye panzvimbo yake.”
3 Samusoni akati kwaari, “Panguva ino ndine mvumo yokuti nditsive kuvaFiristia; ndichavaitira zvakaipa chaizvo.”
4 Saka akabuda akandobata makava mazana matatu akaasunganidza miswe yawo achiita maviri maviri. Ipapo akaisa zhenje pakati pemiswe miviri miviri yacho
5 Akatungidza mazhenje akaregedza makava akapinda muzviyo zvavaFiristia zvakanga zvimire. Akapisa zviyo zvakanga zvakohwewa nezvakanga zvimire mumunda, pamwe chete neminda yemizambiringa neyemiorivhi.
6 VaFiristia pavakabvunza kuti, “Ndianiko aita izvi?” vakaudzwa kuti, “NdiSamusoni, mukuwasha, womuTimina, nemhaka yokuti mukadzi wake akapiwa kushamwari yake.” Saka vaFiristia vakaenda vakandomupisa iye nababa vake vakafa.
7 Samusoni akati kwavari, “Sezvo maita kudai, ini handitombomiri kusvikira ndakutsivai.”
8 Akavarwisa zvakasimba uye akauraya vazhinji vavo. Ipapo akaburuka akandogara mubako redombo reEtami.