Vatongi 16:9-15 BDMCS

9 Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika.” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa.

10 Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Wandiita benzi; wareva nhema kwandiri. Zvino chindiudza kuti ungasungwa sei?”

11 Iye akati, “Kana munhu akandisunga zvakasimba namabote matsva asati amboshandiswa, ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.”

12 Saka Dherira akatora mabote matsva akamusunga nawo. Ipapo, aiva navarume vakanga vakavanda mukamuri, uye akadanidzira kwaari achiti, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura mabote mumaoko ake kunge akanga ari shinda.

13 Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.” Akapindura akati, “Kana ukarukira mhotsi dzangu nomwe dzebvudzi rangu mumucheka wakarukwa uye ukadzirovera pasi nembambo, ini ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka paakanga avata, Dherira akatora mhotsi nomwe dzebvudzi romusoro wake, akadzirukira mumucheka unorukwa,

14 akadzirovera pasi nembambo. Akadanidzira kwaari zvakare akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akavhomora mbambo nomucheka wakarukwa.

15 Ipapo akati kwaari, “Unoti ‘Ndinokuda’ sei iwe usingandiudzi zvakavanzika zvako? Aka kava ketatu uchingondiita benzi uye hauna kutongonditaurira chakavanzika chesimba rako guru.”