39 Saka Gaari akabuda pamberi pavanhu veShekemu akarwa naAbhimereki.
40 Abhimereki akamudzinganisa uye vazhinji vakafa vakuvadzwa mukutiza uku nzira yose kusvikira pamukova wokupinda pasuo reguta.
41 Abhimereki akagara muAruma, uye Zebhuri akadzinga Gaari navanun'una vake muShekemu.
42 Fume mangwana vanhu veShekemu vakabuda vakaenda kuminda, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.
43 Saka akatora vanhu vake, akavakamura akavaisa mumapoka matatu akavandira musango. Akati achiona vanhu vachibuda muguta, akasimuka kuti avarwise.
44 Abhimereki namapoka aakanga anaye vakamhanyira pamukova wokupinda pasuo reguta. Ipapo mapoka maviri akamhanyira vaya vakanga vari kuminda vakavauraya.
45 Zuva rose iroro, Abhimereki akarwisa kwazvo guta kusvikira aritapa uye auraya vanhu varo. Ipapo akaparadza guta uye akakusha munyu pamusoro paro.