1 Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe; Jehovha ndiye anogadzira makore edutu. Anonayisa mvura kuvanhu, uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe.
2 Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, vavuki vanoona zviratidzo zvenhema. vanotaura zviroto zvenhema, vanopa varaidzo pasina. Nokudaro vanhu vanodzungaira samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi.
3 “Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi, uye ndicharova vatungamiri, nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya namakwai ake, imba yaJudha, uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa.
4 Muna Judha muchabva ibwe rapakona, kubva maari mbambo yetende, kubva maari uta hwehondo, kubva maari vatungamiri vose.
5 Pamwe chete vachava savarume voumhare vanotsika migwagwa ina matope pakurwa. Nokuti Jehovha anavo, vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza.
6 “Ndichasimbisa imba yaJudha uye ndichaponesa imba yaJosefa. Ndichavadzosa nokuti ndinovanzwira tsitsi. Vachava savanhu vandakanga ndisina kuramba, nokuti ndini Jehovha Mwari wavo uye ndichavapindura.