4 Muswe wayo wakatsvaira chetatu chenyeredzi kubva kudenga uye ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa.
5 Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe.
6 Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.
7 Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo.
8 Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga.
9 Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.
10 Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:“Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika,uye nesimba raKristu wake.Nokuti mupomeri wehama dzedu,Iye akavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku,akandwa panyika.