1 Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake.
2 Akadanidzira nenzwi guru achiti:“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa,ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.
3 Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro.Madzimambo enyika akaita upombwe naro,uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pakufadzwa kwaro kuzhinji.”
4 Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:“Budai mariri, vanhu vangu,kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;