1 Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake.
2 Akadanidzira nenzwi guru achiti:“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa,ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.
3 Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro.Madzimambo enyika akaita upombwe naro,uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pakufadzwa kwaro kuzhinji.”
4 Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:“Budai mariri, vanhu vangu,kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;
5 nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,uye Mwari arangarira mhosva dzaro.
6 Ritsivei sokutsiva kwarakaita;ritsivei kaviri pane zvarakaita.Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.
7 Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita.Rinozvikudza mumwoyo maro richiti,‘Ndigere samambokadzi;handizi chirikadzi, uye handingatongochemi.’