9 Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi;
10 saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?”Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”
11 Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwira kuPerazimi uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimi.
12 VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, uye Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto.
13 VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya.
14 Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, uye Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu.
15 Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.”