6 Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo.
7 Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi.
8 Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema.
9 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake.
10 Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba,
11 uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba.
12 Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari. Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa.