5 Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, “Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!”
6 Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo.
7 Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora.
8 Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.”
9 Munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo weIsraeri achiti, “Chenjerai kuti murege kupfuura napanzvimbo iyo nokuti vaAramu vari kuburukirako.”
10 Naizvozvo mambo weIsraeri akatumira vanhu kunzvimbo iyoyo yaakanga aratidzwa nomunhu waMwari, kuti vandoiongorora. Nguva nenguva Erisha aiyambira mambo, kuti achenjerere nzvimbo dzakadaro.
11 Izvi zvakatsamwisa mambo weAramu. Akadana vabati vake akati kwavari, “Hamungandiudzewo here kuti pakati pedu ari kurutivi rwamambo weIsraeri ndiani?”