47 “Ndamubvunza ndikati, ‘Uri mwanasikana waaniko?’“Iye ati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika.’“Ipapo ndaisa mhete pamhino yake nezvishongo mumaoko ake,
48 uye ndakotama pasi ndikanamata Jehovha. Ndarumbidza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, uyo akanditungamirira munzira yakarurama kuti ndiwane muzukuru womunun'una watenzi wangu kuti ave mukadzi womwanakomana wake.
49 Zvino kana muchaitira zvakanaka nokutendeka kuna tenzi wangu, ndiudzei; uye kana zvisizvo, ndiudzei, kuti ndigoziva kwokuenda.”
50 Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, “Izvi zvinobva kuna Jehovha; isu hatina chinhu chatingataura kwauri, chakaipa kana chakanaka.
51 Hoyu Rabheka; mutore uende, uye ngaave mukadzi womwanakomana watenzi wako, sokutungamirirwa kwawaitwa naJehovha.”
52 Muranda waAbhurahama akati anzwa zvavakataura, akakotama pasi pamberi paJehovha.
53 Ipapo muranda akabudisa goridhe nezvishongo zvesirivha nenguo dzokufuka uye akazvipa kuna Rabheka; uye akapawo zvipo zvomutengo mukuru kuhanzvadzi yake nokuna mai vake.