5 Hosha yakaenda ichibva pamberi pake; denda rakatevera nhambwe dzake.
6 Akamira, akazungunusa nyika; akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu. Makomo akare kare akakoromoka uye zvikomo zvakare zvakawira pasi. Nzira dzake dzinogara nokusingaperi.
7 Ndakaona matende eKushani ari panhamo, nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika.
8 Ko, makanga matsamwira nzizi here, Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha? Makanga matsamwira gungwa here pamakafambisa mabhiza enyu nengoro dzenyu dzokukunda?
9 Makabudisa pachena uta hwenyu, mukadaidzira miseve mizhinji. Sera Makatsemura nyika nenzizi;
10 makomo akakuonai akadedera. Mvura zhinji yakapfuura; kudzika kwakatinhira kukasimudza mafungu pamusoro.
11 Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.