1 Miriamu naAroni vakatanga kupopotera Mozisi nokuda kwomukadzi wake aiva muEtiopia, nokuti akanga awana muEtiopia.
2 “Ko, Jehovha akangotaura naMozisi oga here? Ko, haana kutaura kubudikidza nesuwo here?” Uye Jehovha akazvinzwa.
3 Zvino Mozisi akanga ari munhu akapfava kwazvo, akapfava kupfuura ani zvake pamusoro penyika.
4 Pakarepo Jehovha akati kuna Mozisi, Aroni naMiriamu, “Budai muuye kuTende Rokusangana, mose muri vatatu.” Saka vakabuda ivo vari vatatu.
5 Ipapo Jehovha akaburuka ari mushongwe yegore; akamira pamukova wokupinda kuTende akadana Aroni naMiriamu. Vakati vachibuda vari vaviri,