14 “Uyu ndiwo murayiro unobata pamunhu anofira mutende: Ani naani anopinda mutende uye ani zvake ari mariri achava asina kuchena kwamazuva manomwe,
15 uye midziyo yose yakazarurwa, isina kukwidibirwa, ichava isina kuchena.
16 “Ani naani ari musango anobata munhu akaurayiwa nomunondo kana mumwe munhu akangofawo zvake, kana munhu anobata bvupa romunhu kana guva, achava asina kuchena kwamazuva manomwe.
17 “Kana munhu asina kuchena, utore dota rinobva pachipiriso chokunatsa chakapiswa ugoriisa muchirongo ugoridira mvura yakachena.
18 Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake.
19 Munhu akachena anofanira kusasa munhu asina kuchena nezuva rechitatu uye nerechinomwe, uye pazuva rechinomwe anofanira kumunatsa. Munhu ari kunatswa anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura, uye manheru iwayo anofanira kuva akachena.
20 Asi kana munhu asina kuchena akasazvinatsa, anofanira kubviswa paungano, nokuti iye asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Mvura yokunatsa haina kumbosaswa paari, nokudaro haana kuchena.