15 Pazuva rakamiswa tabhenakeri, iyo Tende yeChipupuriro, gore rakaifukidza. Kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, gore rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakanga rakaita somoto.
16 Ndizvo zvarakaramba rakaita; gore rakaifukidza, uye usiku raitaridzika somoto.
17 Gore raiti kana rasimudzwa kubva pamusoro peTende, vaIsraeri vaifamba; pose paimira gore, vaIsraeri vaidzika musasa ipapo.
18 Pakurayira kwaJehovha, vaIsraeri vaifamba, uye pakurayirwa kwake, vaibva vadzika musasa.
19 Gore paraimira pamusoro petabhenakeri, ivo vairamba vakadzika musasa.
20 Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri kwamazuva mashomanana chete; vaidzika musasa wavo sokurayira kwaJehovha uye pakurayira kwake, vaibva vafamba.
21 Dzimwe nguva gore raingogara kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, uye paraingosimuka mangwanani ivo vaibva vafamba. Paingosimuka gore, angava masikati kana usiku, vaibva vafamba.