12 Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.
13 Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba.
14 Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti mune simba,shoko raMwari rinogara mamuri,uye makakunda iye akaipa.
15 Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
16 Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza nokuda kwezvaanazvo munhu nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika.
17 Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi.
18 Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira.