15 Kuti mwoyo inyauke uye vanowa vawande, munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye. Haiwa wakagadzirirwa kuti upenye semheni, wakabatwa kuti uuraye.
16 Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi, ugochekawo kuruboshwe, kwose kunorerekera chisvo chako.
17 Neniwo ndicharovanya maoko angu pamwe chete, uye hasha dzangu dzichaserera. Ini Jehovha ndazvitaura.”
18 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
19 “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta.
20 Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa.
21 Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti atsvake shuramanenji: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa.