19 “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta.
20 Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa.
21 Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti atsvake shuramanenji: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa.
22 Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, umo maachamisa zvokugumura, kuti varayire nezvokuuraya, nokudanidzira zvehondo, nokuisa zvokugumura pamasuo, nokuvaka mirwi yokurwa nokuvaka nhare.
23 Zvichange zvakaita seshuramanenji yenhema kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.
24 “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa.
25 “ ‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira,