19 Shure kwokubva kwake ipapo akabvisa chifukidzo ndokubva apfekazve nguo dzake dzechirikadzi.
20 Zvichakadaro, Judha akatuma shamwari yake muAdhuramu nembudzana iya kuitira kuti chitsidzo chake chidzoswe kwaari kubva kumukadzi uya, asi haana kumuwana.
21 Akabvunza varume vaigara ikoko akati, “Chiripiko chifeve chaigara parutuvi rwenzira yeEnaimi?” Ivo vakati, “Hapana kumbova nechifeve pano.”
22 Saka iye akadzokerazve kuna Judha akandoti, “Handina kumuwana. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanogara ikoko vakati, ‘Hakuna kumbova nechifeve kuno.’ ”
23 Ipapo Judha akati, “Regai achengete zvaanazvo, kuti arege kuzova chiseko. Zvakadaro ndanga ndamutumira mbudzana iyi, asi hauna kugona kumuwana.”
24 Shure kwemwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari ane mhosva youfeve, uye nokuda kwaizvozvo ava nemimba.” Judha akati, “Mubudisei apiswe afe!”
25 Zvino paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna vatezvara vake akati, “Ndine mimba yomuridzi wezvinhu izvi.” Uye akatizve, “Onai kana mungaziva mwene wemhete yechisimbiso iyi norutambo rwayo, netsvimbo iyi.”