3 Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika.
4 Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake, makanga makavigwa simba rake.
5 Hosha yakaenda ichibva pamberi pake; denda rakatevera nhambwe dzake.
6 Akamira, akazungunusa nyika; akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu. Makomo akare kare akakoromoka uye zvikomo zvakare zvakawira pasi. Nzira dzake dzinogara nokusingaperi.
7 Ndakaona matende eKushani ari panhamo, nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika.
8 Ko, makanga matsamwira nzizi here, Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha? Makanga matsamwira gungwa here pamakafambisa mabhiza enyu nengoro dzenyu dzokukunda?
9 Makabudisa pachena uta hwenyu, mukadaidzira miseve mizhinji. Sera Makatsemura nyika nenzizi;