12 Ipapo Mozisi akadana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu. Asi ivo vakati, “Hatiuyiko!
13 Hazvina kukwana here kuti makatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi kuti muzotiurayira murenje? Uye iye zvino munoda kubata ushe pamusoro pedu here?
14 Pamusoro pezvo, hamuna kutisvitsa kunyika inoyerera mukaka nouchi kana kutipa nhaka yeminda neminda yemizambiringa. Muchada kutumbura meso avanhu ava here? Haiwa, isu hatiuyiko!”
15 Ipapo Mozisi akatsamwa zvikuru akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo. Handina kutovatorera kana mbongoro, uye handina kutadzira kana mumwe wavo.”
16 Mozisi akati kuna Kora, “Iwe navose vanokutevera munofanira kumira pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo naAroni.
17 Murume mumwe nomumwe ngaatore hadyana yake aise zvinonhuwira mairi, hadyana mazana maviri namakumi mashanu pamwe chete mugodziisa pamberi paJehovha. Iwe naAroni munofanira kuuyawo nehadyana dzenyu.”
18 Saka murume mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto nezvinonhuwira mairi, uye vakamira naMozisi naAroni pamukova wokupinda muTende Rokusangana.