3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.
4 Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.
5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama.
6 Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.