Mapisarema 38 BDMCS

Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro.

1 Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu.

2 Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.

3 Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.

4 Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura.

5 Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.

6 Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose.

7 Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano.

8 Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.

9 Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.

10 Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu.

11 Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni.

12 Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri.

13 Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;

14 ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri.

15 Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.

16 Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”

17 Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.

18 Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza.

19 Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.

20 Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka.

21 Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.

22 Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.