Mapisarema 107 BDMCS

BHUKU 5

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2 Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi,

3 avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi.

4 Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta rwavangagara.

5 Vakanga vava vane nzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara.

6 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo.

7 Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara.

8 Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,

9 nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

10 Vamwe vakagara murima nokusviba kwakadzika dzika, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,

11 nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kwoWokumusorosoro.

12 Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira.

13 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

14 Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo.

15 Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira,

16 nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi.

17 Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo.

18 Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu.

19 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

20 Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva.

21 Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira.

22 Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

23 Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.

24 Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika.

25 Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu.

26 Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.

27 Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pamagumo amano avo.

28 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo.

29 Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro.

30 Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira pakadzikama pavaida.

31 Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.

32 Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.

33 Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota,

34 uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo.

35 Akashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera;

36 ndipo paakagarisa vane nzara. uye vakavaka guta ravangagara.

37 Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa, ikabereka mukohwo wakanaka;

38 akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru, uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara.

39 Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa, nenjodzi uye nokusuwa;

40 iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira.

41 Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai.

42 Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo.

43 Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi, uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha.