Mapisarema 118 BDMCS

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2 Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

3 Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

4 Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

5 Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura.

6 Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko?

7 Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8 Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.

9 Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.

10 Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

11 Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

12 Vakandimomotera senyuchi, asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva, ndakavaparadza muzita raJehovha.

13 Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira.

14 Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu.

15 Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!

16 Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”

17 Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.

18 Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.

19 Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.

20 Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.

21 Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.

22 Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;

23 Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu.

24 Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.

25 Haiwa Jehovha, tiponesei; haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.

26 Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha. Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.

27 Jehovha ndiye Mwari, uye akaita kuti chiedza chake chivhenekere pamusoro pedu. Namatavi muruoko, pinda mumudungwe ubatane navamwe vari kuenda kunyanga dzearitari.

28 Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai; ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai.

29 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.