Mapisarema 18 BDMCS

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati:

1 Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.

2 Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.

3 Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

4 Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.

5 Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni.

6 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.

7 Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;

8 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.

9 Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

10 Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.

11 Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.

12 Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.

13 Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.

14 Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.

15 Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu.

16 Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.

17 Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.

18 Vakandinanga nezuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

19 Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.

20 Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu.

21 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.

22 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake.

23 Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.

24 Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.

25 Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,

26 kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu.

27 Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza.

28 Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza.

29 Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

30 Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.

31 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

32 NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu.

33 Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

34 Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.

35 Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru.

36 Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

37 Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.

38 Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu.

39 Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.

40 Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu.

41 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.

42 Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha.

43 Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.

44 Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu.

45 Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.

46 Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!

47 Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,

48 anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba.

49 Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza.

50 Anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.