Mapisarema 80 BDMCS

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro wa “Maruva amahapa esungano.” Pisarema raAsafi.

1 Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri, imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai; iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai

2 pamberi peEfuremu, Bhenjamini naManase. Mutsai simba renyu; uyai mutiponese.

3 Tidzorei, imi Mwari, penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.

4 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, kutsamwa kwenyu kucharamba kuchipisa pamusoro peminyengetero yavanhu venyu kusvikira riniko?

5 Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye; makaita kuti vanwe misodzi yakawanda.

6 Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo, uye vavengi vedu vanotiseka.

7 Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.

8 Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti; makadzinga ndudzi mukaudyara.

9 Makaukurira nzvimbo, uye ukava nemidzi ukazadza nyika.

10 Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo, nemisidhari mikuru namatavi awo.

11 Wakatandavadza matavi awo kusvikira kuGungwa, namabukira awo kusvikira kuRwizi.

12 Seiko makaputsa masvingo awo kuti vose vanopfuura napo vanonge mazambiringa awo?

13 Nguruve dzinobva musango dzinouparadza, uye zvisikwa zvesango zvinoudya.

14 Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose! Tarirai muri kudenga muone! Rindai muzambiringa uyu,

15 iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, mwanakomana wamakazvirerera.

16 Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto; pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa.

17 Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu, mwanakomana womunhu wamakazvirerera.

18 Ipapo hatingazobvi kwamuri; timutsiridzei, tigodana kuzita renyu.

19 Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.