Mapisarema 139 BDMCS

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva.

2 Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.

3 Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.

4 Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.

5 Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.

6 Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.

7 Ndingaendepiko ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?

8 Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko.

9 Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,

10 kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.

11 Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”

12 kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita samasikati kwamuri.

13 Nokuti imi makasika zvomukati-kati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

14 Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.

15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

16 meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.

17 Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!

18 Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.

19 Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!

20 Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa; vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.

21 Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha, nokusema vaya vanokumukirai?

22 Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo; ndinovati vavengi vangu.

23 Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.

24 Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.